Psalms 11

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Ndinovanda muna Jehovha.
Mungareva seiko kwandiri muchiti,
“Tizira kugomo rako seshiri.
2Nokuti tarira, vakaipa vanowembura uta hwavo;
vanogadzirira miseve yavo parukungiso,
kuti vapfure vari murima,
uyo akarurama pamwoyo.
3Kana nheyo dzaparadzwa,
akarurama angaiteiko?”

4Jehovha ari mutemberi yake tsvene;
Jehovha ari pachigaro chake choushe chokudenga.
Anocherechedza vanakomana vavanhu;
meso ake anovaedza.
5Jehovha anoedza vakarurama,
asi vakaipa navanoda zvechisimba
mweya wake unovavenga.
6Pane vakaipa anonayisa
mazimbe omoto nesafuri inopfuta;
mhepo inopisa ndiwo uchava mugove wavo.

7Nokuti Jehovha akarurama,
anoda kururamisira;
vanhu vakarurama vachaona chiso chake.
Copyright information for SnaBDSC